Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Zvirevo 3
Munhu ngaatye Jehovha, avimbe naye uye amuteerere
Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu,
asi uchengete mirayiro yangu mumwoyo mako,
nokuti zvichawedzera makore mazhinji kuupenyu hwako,
uye nokubudirira.
Rudo nokutendeka ngazvirege kukusiya;
uzvisungirire pamutsipa wako,
zvinyore pahwendefa romwoyo wako.
Ipapo uchawana nyasha nezita rakanaka
pamberi paMwari navanhu.
Vimba naJehovha nomwoyo wako wose
urege kuzendamira panjere dzako;
munzira dzako dzose umutungamidze,
uye acharuramisa nzira dzako.
Usazviita munhu akachenjera pamaonero ako;
itya Jehovha uvenge zvakaipa.
Izvi zvichava utano pamuviri wako
uye nokusimbiswa kwamapfupa ako.
Kudza Jehovha nepfuma yako,
zvokutanga zvezvirimwa zvako;
ipapo matura ako achazadzwa kusvikira pakufashukira,
uye makate ako achazara kusvika pamusoro newaini itsva.
Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha,
uye usatsamwira kutsiura kwake,
nokuti Jehovha anoranga avo vaanoda,
sababa nomwanakomana wavanofarira.
Akaropafadzwa munhu anowana uchenjeri,
munhu anowana kunzwisisa,
nokuti hwakanyanya kunaka kupfuura sirivha,
uye hunopfumisa kupfuura goridhe.
Hunokosha kupfuura marubhi;
zvose zvaunoshuva hazvingafananidzwi nahwo.
Mazuva mazhinji oupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi;
muruboshwe rwahwo mune upfumi nokukudzwa.
Nzira dzahwo dzinofadza,
uye makwara ahwo ose rugare.
Ndihwo muti woupenyu kuna vose vanohumbundikira;
vose vanohubata vacharopafadzwa.
Nouchenjeri Jehovha akateya nheyo dzenyika,
nokunzwisisa akaisa matenga munzvimbo dzawo;
noruzivo rwake mvura dzakadzika dzakapatsanurwa,
uye makore akadonhedza dova.
Mwanakomana wangu, chengetedza kutonga kwakanaka nokungwara,
usazvirega zvichibva pameso ako;
zvichava upenyu kwauri,
chishongo chakanaka pamutsipa wako.
Ipapo uchafamba panzira yako murugare,
uye rutsoka rwako harungagumburwi;
paunovata pasi, haungatyi; paunovata pasi,
hope dzako dzichava dzakanaka.
Usatya zvako dambudziko rinovhundutsa
kana kuparadza kunokunda vakaipa,
nokuti Jehovha achava chivimbo chako
uye achachengeta rutsoka rwako kuti rurege kubatwa.
Usarega kuitira zvakanaka kuno uyo akafanirwa nazvo,
kana zviri musimba rako kuzviita.
Usati kumuvakidzani wako,
“Ugodzoka imwe nguva; ndichazokupa mangwana,”
iwe uchitova nazvo pauri.
Usaronga kuitira muvakidzani wako zvakaipa,
anogara nechivimbo pedyo newe.
Usapomera munhu mhosva pasina chikonzero,
iye asina zvaakutadzira.
Usachiva munhu anoita zvinhu nechisimba,
kana kusarudza ipi zvayo yenzira dzake,
nokuti Jehovha anovenga munhu akatsauka,
asi anoudza akarurama zvaanoda kuita.
Kutuka kwaJehovha kuri paimba yeakaipa,
asi anoropafadza musha womunhu akarurama.
Anoseka vaseki vanozvikudza,
asi anoitira nyasha vanozvininipisa.
Vakachenjera vanowana kukudzwa,
asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.