Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Zvirevo 13

Mwanakomana akachenjera anoteerera kurayira kwababa vake,

asi mudadi haateereri kana achitsiurwa.

Kubva pazvibereko zvomuromo wake munhu achadya zvinhu zvakanaka,

asi vasina kutendeka vanofarira kumanikidza.

Uyo anobata muromo wake anochengeta upenyu hwake,

asi uyo anokurumidzira kutaura achaparadzwa.

Simbe inopanga asi igoshayiwa chinhu,

asi zvishuvo zvavanoshingaira zvichazadziswa.

Vakarurama vanovenga nhema,

asi vakaipa vanouyisa kunyadziswa nokunyangadza.

Kururama kunorinda munhu ane unhu hwakanaka,

asi kuipa kunowisira mutadzi pasi.

Mumwe munhu anozviti mupfumi, asi asina chinhu;

mumwewo anozviti murombo, asi aine upfumi huzhinji.

Upfumi hwomunhu hunogona kudzikinura upenyu hwake,

asi murombo haana chinomutyisidzira.

Chiedza cheakarurama chinopenya kwazvo;

asi mwenje woakaipa uchadzimwa.

Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara chete,

asi uchenjeri hunowanikwa mune avo vanogamuchira kurayirwa.

Mari yakawanikwa zvisakarurama ichakurumidza kupera,

asi uyo anounganidza mari zvishoma nezvishoma achaita kuti iwande.

Tariro kana ichinonoka inoodza mwoyo,

asi chishuvo chazadziswa muti woupenyu.

Uyo anozvidza kurayirwa achazozviripira izvozvo,

asi uyo anokudza murayiro achawana mubayiro.

Kudzidzisa kwowakachenjera itsime roupenyu,

rinobvisa munhu pamusungo worufu.

Kunzwisisa kwakanaka kunowanisa nyasha,

asi nzira yavasina kutendeka ihukutu.

Munhu wose akachenjera anoita zvinhu noruzivo,

asi benzi rinoratidza upenzi hwaro.

Nhume yakaipa inowira munjodzi,

asi munyai akatendeka anouya nokuporesa.

Uyo anozvidza kurayirwa achava murombo uye achanyadziswa,

asi ani naani anoteerera kurayirwa achakudzwa.

Chishuvo chazadziswa chinozipa pamweya,

asi mapenzi anovenga kusiya zvakaipa.

Uyo anofamba navakachenjera achachenjerawo,

asi shamwari yamapenzi ichakuvadzwa.

Zvakaipa zvinotevera mutadzi,

asi kubudirira ndiwo mugove wavakarurama.

Munhu akanaka anosiyira vana vevana vake nhaka,

asi upfumi hwomutadzi hunounganidzirwa vakarurama.

Munda womurombo ungabereka zvokudya zvakawanda,

asi kusaruramisira kunozvitsvairira kure.

Anorega kushandisa shamhu anovenga mwanakomana wake,

asi uyo anomuda anochenjerera kumuranga.

Vakarurama vanodya zvinogutsa mwoyo yavo,

asi dumbu reakaipa richanzwa nzara.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.